John 5

Kuporeswa kwoMunhu paDziva reBhetesdha

1Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. 2Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. 3Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. 4Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. 5Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. 6Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?”

7Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.”

8Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.” 9Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba.

Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.
10Naizvozvo vaJudha vakati kumurume uya akanga aporeswa, “Nhasi iSabata; murayiro unokurambidza kuti utakure rukukwe rwako.”

11Asi iye akapindura akati, “Murume andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ”

12Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko murume uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?”

13Murume uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo.

14Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora. Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.” 15Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa.

Upenyu nokuMwanakomana

16Saka nokuda kwokuti Jesu akanga achiita zvinhu izvi nomusi weSabata, vaJudha vakamutambudza. 17Jesu akati kwavari, “Baba vangu vanoramba vari pabasa ravo kusvikira nhasi chaiye, uye neniwo, ndiri kushanda.” 18Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.

19Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo. 20Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi. 21Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. 22Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, 23kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.

24“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. 25Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. 26Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. 27Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.

28“Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake 29uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa. 30Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.

Zvapupu pamusoro paJesu

31“Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo. 32Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi.

33“Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi. 34Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe. 35Johani akanga ari mwenje waipfuta uye uchivhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake.

36“Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma. 37Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo, 38uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma. 39Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, 40asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu.

41“Handigamuchiri kurumbidzwa kunobva kuvanhu, 42asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu. 43Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira. 44Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga?

45“Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari. 46Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu. 47Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?”

Copyright information for SnaBDSC